Pakupera kwemasvondo maviri
anechidimbu,
"epiblast" inenge yavepo
uye ne ma"specialized tissues"
matatu,
kana kuti ma "germ layers",
anonzi "ectoderm",
"endoderm",
ne" mesoderm".
"Ectoderm" inokonzera
kukura kwenhengo dzemuviri
dzinosanganisa uropi,
musana,
tsinga,
ganda,
nzara,
nevhudzi.
"Endoderm" inogadzira
mukati mehuro nezvekufema zvese
uye nezvekumedza nekudya zvese,
uye nekugadzira
dzimwe nhengo dzese dzemuviri
dzakaita sechitaka
nerwatata.
"Mesoderm" inogadzira mwoyo,
neitsvo,
mapfupa,
tsinga dzinobatanidza mapfupa,
nyama yemuviri,
tsinga dzeropa,
nedzimwewo nhengo.